Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matatu neMumwe Vourayiwa neDutumupengo Idai kuManicaland


Tropical cyclone Idai is seen gathering over central Mozambique, before moving southwest toward Zimbabwe, March 15, 2019.
Tropical cyclone Idai is seen gathering over central Mozambique, before moving southwest toward Zimbabwe, March 15, 2019.

Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko raburitsa mashoko padandemutande raro reTwitter kuti dutumupengo remvura nemhepo rinonzi Tropical Cyclone Idai rauraya vanhu makumi matatu nemumwe kusvika parizvino kuChipinge neChimanimani mudunhu reManicaland.

Vamwe vanhu vanodarika makumi masere havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Pane vanhu vashaya, vamwe vana vechikoro vepaCharles Luwanga uye vakawanda ndeve paNgangu Township.

Vamwe vanhu kunyanya kuChimanimani vanonzi vakamirira kununurwa kubva musvitsuwa zvemvura sezvo nzvimbo dzakawanda dzirisi kufambika. Mazambuko akawanda atakurwa ukuowo ndege dzemauto dziri kutadza kubhuruka nekuda kwedutumupengo iri.

Vakafanobata chigaro chamudzviti kuManicaland VaWilson Bore vaudza Studio 7 kuti dzimba dzinodarika zana nemakumi mashanu nemaviri dzaputswa pangangu.

Hurukuro naVaWilson Bore
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

KuChimanimani, vashandi ve Zimbabwe Consolidated Diamond Company (ZCDC) gumi nevatatu vanonzi vari mugomo vakamirira rubatsiro. MaMutare munonzi mune mhuri makumi maviri dzaparadzirwawo dzimba nedutumupengo iri.

Dzimwe nzvimbo dzaparadzwa dziri pedyo neNedziwa ne Rusitu. Mukuru weCivil Protection Unit kana kuti CPU VaNathan Nkomo vanoti vari kuyedza napose pavanogona kununura vanhu vawirwa nedambudziko iri.

Hurukuro naVaNathan Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kushanya kunyika yeUnited Arab Emirates kumusangano wavati wakanangana nekukwezva vezvemabhizimisi nekuyedza kuvaka hukama nedzimwe nyika vatumira mashoko enyaradzo kune mhuri dzine hama dzarasikirwa nehupenyu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG