Hurumende yaita musangano wechimbi chimbi nemapazi ayo anosanganisa mauto, mapurisa uye masangano anopa rubatsiro kuti vaite gadziriro yedutumupengo idayi iro rauraya vanhu vanodarika zana nemakumi maviri nevatanhatu kunyika dzakaota seMalawi, Mozambique neSouth Africa.
Dhora reRTGS radzikira huremu zvekare kechipiri kubva zvakatarwa huremu uyu nagavhuna weRBZ Doctor John Mangudya apo vakaparura hurongwa hwekufambswa kwema
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro nemusi weChitatu vakatumira gurukota rinoona nezvemukati menyika VaZiyambi Ziyambi kuti ritsanangurure dare kuti sei vakatumira mauto kunodzivirira mhirizhonga.
Mutungamiri webato rinopikisa reIdeal Party Zimbabwe VaTinashe Jonasi vakasungwa nemusi weMuvhuro nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Mutori wenhau weZBC Judith Makwanya akashaya nezuro kuchipatara cheWest End Clinic muHarare.
Boka rinoona nezvekodzero dzevanhu musangano reUnited Nations, reUnited Nations Human Rights Council, riri kutarisirwa kutumira nhume dzakakosha kuZimbabwe kuzoongoorora nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu kunonzi kuri kuitwa nehurumende.
Hurumende yeZimbabwe iri kubhadhara mari inosvika zviuru mazana mashanu pagore kukambani yekuAmerica yeBallard Partners kuti iibatsire kuti ibvisirwe zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende nemakambani ayo.
Mutungamiriri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa vanoti vari kushushikana zvikuru nekutambura kuri kuita vanhu munyika uyewo vakati vari kugadzirira musangano wavo weCongiresi zvakanaka.
Brigadier General Emilio Munemo avo vakashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara kwenguva yakareba vaitwa gamba renyika.
Vanhu vanodarika makumi maviri nevatatu vakafa munjodzi yedutumupengo remhepo nemvura kumatunhu eAlabama, Florida, South Carolina ne Georgia nemusi weSvondo.
Vanhu vave kuchema chema nedambudziko rekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari mumaguta akawanda munyika zvikuru muHarare.
Makomiti mana akaumbwa svondo rapera nemapato ezvematongerwo enyika akapinda musangano wekugadzirisa matambudziko ari munyika wakashevedzerwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, ari kutarisirwa kutanga basa nhasi kuburikidza nekuita misangano.
Muimbi aive nemukurumbira pasi rose Dorothy Masuka uye akashaya nemusi weMugovera achitarisira kuradzikwa kumarinda eWest Park Cemetry muJohannesburg.
Mutauriri webato rinopikisa reMDC VaJacob Mafume vari kushora zvikuru hurumende nekwavanoti kutadza kunyatsorwisa huori kunyangwe hazvo muhofisi yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa makaiswa imwe komiti inofanira kunge ichirwisa huori kana kuti Special Anti-Corruption Unit.
Malax uyo akaimba kambo kanonzi Wakanda naRoki anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kambo aka nevanhu. Kambo aka kanotora zita kubva pafirimu rakaita mukurumbira zvikuru pasi rose rinonzi Black Panther rinotaura nezvenyika yemuAfrica yegudziramukanwa hayo inonzi “Wakanda.”
.Mutungamiri weUnited Nations kubazi rezverubatsiro kana kuti United Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs, VaMark Lowcock vari kutarisirwa kushanyira Zimbabwe kutanga mangwana kusvika musi 1 Kurume.
Mapurisa gumi nemanomwe ainge akapakatira zvombo akayedza kupinda zvine chisimba nezuro manheru kuGlennorah kumba kwamai venhengo yedare reparamende yeMDC inomirira Harare West Muzvare Joanna Mamombe vachiti vari kuvatsvaga.
Muimbi vari mufundisi, Baba Charles Charamba, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro ari kuita zvinhu kukereke idzva yavakaparura mukupera kwegore rapera.
Dare reparamende richiri kuzeya bhiri rekuyedza kudzika mutemo wenhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi ne hurumende kana kuti Tripartite Negotiating Forum Bill.
Muimbi, Tendai Dembo, mwana wamuchakabvu Leonard Dembo anoti ari kuda kuburitsa dambarefu rake idzva pazuva rakashaya baba vake musi wa 9 Kubvumbi senzira yekuvarangarira.
Rodhai zvimwe