Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Idai Rorova Zimbabwe Zvakasimba


Beira, Mozambique
Beira, Mozambique

Hurumende yaita musangano wechimbi chimbi nemapazi ayo anosanganisa mauto, mapurisa uye masangano anopa rubatsiro kuti vaite gadziriro yedutumupengo idayi iro rauraya vanhu vanodarika zana nemakumi maviri nevatanhatu kunyika dzakaota seMalawi, Mozambique neSouth Africa.

Dutu mupengo iri rine zita reChishona rekuti Idai sezvo Zimbabwe iri iyo yakasarudza zita iri pamusangano wenyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Matunhu akawanda munyika kusanganisa Masvingo, Midlands, Mashonaland Central neBinga ari kutarisirwa kurohwa zvakasimba nedutumupengo iri.

Kunyangwe hazvo Zimbabwe iri kuti yagadzirira zvakasimba, zvinhu zvinogona kunetsa mukufambiswa kwemashoko sezvo magetsi ari kungodzimwa dzimwa.

Mukuru kubazi rezvemamiriro ekunze kana kuti Met Department, VaTich Zinyemba vanoti mvura yakawandisa yatotanga kunaya.

Mukuru weCivil Protection Unit kana kuti CPU inobatsira vanenge vawirwa nematambudziko akafanana nemafashamu VaNathan Nkomo vanoti bazi ravo raka. Mukuru wePlatform for Youth Development VaClaris Madhuku avo vari kuChipinge kwavanoti mvura yakasimba yakatotanga kunaya nezuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG