Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoti Vanhu Mamiriyoni Mashanu Vatarisana neNzara muZimbabwe


Mutungamiri weUnited Nations kubazi rezverubatsiro kana kuti United Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs, VaMark Lowcock vari kutarisirwa kushanyira Zimbabwe kutanga mangwana kusvika musi 1 Kurume.

Aka ndekekutanga VaLockwood vachishanyira nyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Vari kutarisirwa kutaura nevakuru vehurumende uye masangano akazvimirira oga, Vachashanyirawo nzvimbo dzakatarisana nenzara kusdanganisa Epwoeth neMudzi.

Vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu vakatarisana nenzara muzimbabwe uye vanoda rubatsiro rwechimbichi chimbi. VaLockwood vari kutarisirwa kubatana nemutungamiri weUnited Nations muHarare VaBishow

Parajuli kuti vakumbire mari kumasangano anobatsira kuti vapewo Zimbabwe rubatsiro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG