Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanira kusunga dzisimbe muhurongwa hwayo hwekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi kunyanyawo dambudziko rekuti nyika yoshandisa mari ipi sezvo ikozvino iri sarura ude.
Muimbi wechidiki, Mbeu, uyo akabatsirwa zvakanyanya munyaya dzemumhanzi namushakabvu Oliver Tuku Mtukudzi anoti chido chake kuti azadzikise chishuwo chaTuku chekuendesa mberi nhaka yekuimba.
Mutungammiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vari kutarisirwa kutungamira makurukota avo kuZimbabwe kunoita hurukuro dzekudyidzana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Kambani inotengesera gorosi vanobika chingwa yeGrain Millers Association of Zimbabwe kana kuti GMAZ inoti nyika yasarirwa negorosi rinokwana vhiki imwe chete chete. Izvi zviri kukonzerwa nekukindikana kweReserve Bank of Zimbabwe kuipa mari yekunze.
Musangano weKimberly Process uri kutarisirwa kuitwa zvekare muNew York kumucheto wemusangano weUnited Nations apo India iri kutora chigaro chekuva sachigaro ichitevedzerwa neRussia.
Muimbi Rise Kagona anotaura zvenhoroondo yake munyaya dzemagitare uye kushanda nemuimbi, mushakabvu Biggie Tembo.
Nyika dzakawanda pasi rino dziri kukurudzira mapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe kuti aite nhaurirano sezvo zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo.
Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutemo uri kuda kudzikwa nehurumende kudzivirira kufambiswa kwemari zvechikiribidi kana kuti Money Laundering wakanangana nekuzadzikisa zvisungo zvemitemo yepasi rino inodzivirira mabasa evanopfurikidza mwero.
Vanhu makumi maviri nevatatu vari kutyirwa kuti vanogona kunge vakafa mumigodhi miviri kuBattlefields, Kadoma nemusi weChipiri mushure mekunge yapinda mafashamu emvura apo dhamu remunzvimbo iyi rakaputika nekuda kwemvura yainge yanaisa munharaunda iyi.
Muimbi Charles Charamba anoti ane nziyo dzakawanda dziri mugapu rake semunhu anoshumira nekuimba.
Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti hurumende iri kudya manonoko vachiti pane zvimwe zvakakosha zvayange ichiita zvakafanana nesarudzo .
Gurukota rezvemaindustry VaNqobizitha Ndlovu vanoti hurumende ichabatsira vanobika chingwa nemari yekunze.
Mutungamiri wenyika yeEgypt VaAbdel-Fattah El-Sissi avo vakauya pachigaro vachiita zvekupidigura hurumende ndivo vakasarudzwa kuita sachigaro weAfrican Union vachitevedzerwa nemutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa avo vachatora chigaro chekutungamira gore rinouya.
Pane mashoko ekuti vatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi naGeneral Constantino Chiwenga vose vari kunze kwenyika uko vari kurapwa
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum raburitsa gwaro rinoratidza kuti vanhu chiuru nemazana masere nevatatu vakatyorerwa kodzero dzavo nevanofungidzirwa kuti mauto, mapurisa nevechidiki veZanu-PF kubva musi wa15 Ndira kusvika musi wa 5 Kurume.
Vamwe vechidiki veZanu-PF vanoti havachadi kutungamirwa naVapupurai Togarepi nevamwe vanosanganisa mutevedzeri wavo VaLewis Matutu, VaTendai Chirau, VaAdmire Mahachi uye Muzvare Mercy Mugomo.
Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika vakawanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson VaMnangagwa vave kuita chipata pata kuyedza kuzvichenura pamberi pemusangano wakakosha zvikuru weAfrican Union uri kuitwa svondo rinouya kubva musi wa10 kusvika 11 Kukadzi.
Mumwe mukuru wemauto Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti mauto akwanisa kuunza runyararo mushure mekuratidzira nekudaro vagadzirira kudzokera kumabaraki avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro.
Mutungamiri wenyika yeNamibia varizve sachigaro weSADC VaHage Geingob havasati vataura nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kunyangwe hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu uye masangano anomiririra vashandi munyika dzakasiyana siyana siyana.
Muimbi, nyanduri uye munyori wemabhuku Chirikure Chirikure uyo akashanda kwenguva yakareba namuchakabvu Oliver Tuku Mtukudzi anoti paakazova vange vave kunyora nganonyorwa yehupenhyu hwake.
Rodhai zvimwe