Accessibility links

Breaking News

Sachigaro weSADC VaGeingob vekuNamibia Voramba Kutaura neNyaya yeZimbabwe


VaHage Geingob mutungamiri wenyika yeNamibia
VaHage Geingob mutungamiri wenyika yeNamibia

Mutungamiri wenyika yeNamibia varizve sachigaro weSADC VaHage Geingob havasati vataura nezvemamiriro akaita zvinhu muzimbabwe kunyangwe hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu uye masangano anomiririra vashandi munyika dzakasiyana siyana siyana.

Mutauriri waVaGeingob Doctor Alfredo Hengari vaudza Studio 7 kuti havasi kutaura nezveZimbabwe parizvino vakati titaure nemunyori mukuru weSADC kana kuti executive secretary Doctor Stergomena Lawrence Tax.

Asi Amai Tax vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muNamibia Amai Selma Ashipala-Musavyi vakarambawo kutaura nyaya iyi vachiti Zambia inova sachigaro weSADC Troika inoona nezvematongerwo enyika nekuchengetedzwa kwenyika itaura nezviri kuitika muZimbabwe.

Asi munyori mukuru weTrade Union Congress of Namibia VaMahongora Kavihuha vanoti mutungamiri wenyika yavo sasachigaro weSADC anofanira kutaura achishora zviri kuitika muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti nemusi weMugovera vakaita hurukuro nevatungamiri venyika dzemuSADC vachivaudza nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Vebato reMDC rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, vesangano reZCTU uye vemasangano akazvimirira vari kupomera hurumende mhosva yekuvashungurudza.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu gumi nevatanhatu vakapfurwa nevanofungidzirwa kuti mapurisa kana mauto vakafa.

Vamwe vanhu makumi masere nemumwe vari kurapwa mushure mekupfurwa uye vanhu vanodarika chiuru vakasungwa. Hurumende ichiti kungoti vanhu vana ndivo vakashaya chete.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaPromise Sande vanoti mapato akarwa hondo yerusununguko anoita chirwirangwe zvokanganisa hutongo hwejekerere muAfrica.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG