Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanira kusunga dzisimbe muhurongwa hwayo hwekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi kunyanyawo dambudziko rekuti nyika yoshandisa mari ipi sezvo ikozvino iri sarura ude.
Nezuro gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakazotenda kuti huremu hwedhora rekuAmerica nemari yemabond notes uye yemaRTGS hauna kufanana.
Vakabva vabatanidza mari mbiri idzi kuita yavanoti RTGS Dollars danho riri kuonekwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi sehurongwa hwekuda kudzosa dhora reZimbabwe.
Nyika yakagumisira kunyatsoshandisa mari yayo muna 2009 mushure mekunge mitengo yezvinhu yatanga kuita chamurambamhuru. Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakatozivisa kuti vanoda kudzora dhora remunyika mukati megore.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumu Muzvinafundo Steve Hanke vakambova chipangamazano chevatungamiri venyika yeAmerica vanoti kudzora dhora reZimbabwe hakushande nekuti nyika iyi ine nhoroondo yekusatevedzera zvinoda kuitwa pamutemo kuti mari yayo ive nehuremu hwakafanira.
Vaimbova gurukota rezvemari vari nhengo yeMDC VaTendai Biti vanoti zvitori nani kuti Zimbabwe ishandise mari yemarands.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti Zimbabwe inofanira kugadzira zvakawanda zvekutengesa kunze isati yafunga zvekudzora dhora reZimbabwe.
Facebook Forum