Accessibility links

Breaking News

Tuku Anonzi Akashaya Onyora Nganonyorwa yeHupenyu Hwake: Sahwira Wake Oronga Kuipedzisa


Oliver Mtukudzi
Oliver Mtukudzi

Muimbi, nyanduri uye munyori wemabhuku Chirikure Chirikure uyo akashanda kwenguva yakareba namuchakabvu Oliver Tuku Mtukudzi anoti paakazova vange vave kunyora nganonyorwa yehupenhyu hwake.

Tuku akashaya nemusi weChitatu masvondo maviri adarika achibva aitwa muimbi wekutanga kupihwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Asi hama dzake dzakati chaive chido chake kuti avigwe kumusha kwake kuMadziva, Mashonaland Central Province.

Chirikure anoti ane hurongwa hwekupedzisa basa ravainge voita rekunyora bhuku iri kunyangwe zvave kunetsa kupedzisa Tuku ashaya.

Mumwe aimboshana naTuku, Shephered Mutamba akambonyora rimwe bhuku rinonzi Tuku Backstage iro muimbi uyu akashora zvikuru achiti rainge richingomuzvibisa zita rake chete.

Hurukuro naChirikure Chirikure
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG