Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votsvaga Rutsigiro kuAU neSADC Apo Britain Yoronga Kuvatemera Zvirango Zvakasimba


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika vakawanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson VaMnangagwa vave kuita chipata pata kuyedza kuzvichenura pamberi pemusangano wakakosha zvikuru weAfrican Union uri kuitwa svondo rinouya kubva musi wa10 kusvika 11 Kukadzi.

VaMnangagwa vari kutumira nhumwa kunyika dzakasiyana siyana, VaChristopher Mutsvangwa vainge vari kuZambia, Air Marshal Perence Shiri vainge vari kuKenya uye VaPatrick Chinamasa vainge vari kuNamibia neBotswana.

Mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta vakati vachayedza kutaura nenyika dzakabudirira kuti Zimbabwe ibvisirwe zvirango.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti nyaya yekupfurwa kwevanhu gumi nevatanhatu nevanofungidzirwa kuti mauto nemapurisa ichaita kuti vamwe vakuru vehurumende vasiri pazvirango vazvitemerwe.

Vachitaura nevamwe vatungamiri vemapato kuState House nezuro, VaMnagagwa vakataurawo nyaya yekukosha kwekubviswa kwezvirango.

Asi Britain yakatozivisa kuti ichakurudzira kuti VaMnangagwa nevamwe vavo vatemerwe zvirango zvakasimba. Britain yakatiwo haisi kuzotsigira kuti Zimbabwe kuti idzoke mugungano reCommonwealth. United Nations yakati mauto ari kupomerwa mhosva yekupfura vanhu nekubata chibharo amiswe pamberi pematare.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaJeffreyson Chitando vaimbova nhengo yeparamende yeMDC vanoti VaMnangagwa vanyangira yaona.

Hurukuro naVaJeffreyson Chitando
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG