Accessibility links

Breaking News

KP Yoita Mumwe Musangano Paine Kuchema neMhirizhonga yekwaMarange


Mangoda

Musangano weKimberley Process kana kuti KP uri kutarisirwa kuitwa zvekare muNew York kumucheto wemusangano weUnited Nations musi wa 1 Kukurume apo India iri kutora chigaro chekuva sachigaro ichitevedzerwa neRussia.

EU ndiyo yange iri sachigaro gore rapera. Asi nyika dzakawanda mugungano iri dzichiri kusimbisa kuti dzinoda kuti pavadudzwe zvinoreva mangoda ane ropa.

Vamwe vanoti havadi kuti pangotariswa kutemera zvirango vanenge vapandukira hurumende vachitengesa mangoda asi kuti kana hurumende dzinotyora kodzero dzevanhu sezviri kuchemwa nevamwe vagari vekwaMarange vari kupomera mhosva yekutyora kodzero dzavo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezviwanikwa VaWinston Chitando asi tabata mukuru weCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti Zimbabwe imwe nyika iri kuchera nekutengesa mangoda zvine mutauro. Vati nyaya yekuurayiwa kwevanhu kwaMarange, Manicaland ichiri kuenderera mberi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemauto Colonel Everson Mugwisi sezvo vange vasingadaire nharembozh yavo.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG