Accessibility links

Breaking News

Hurumede Yoronga Mutemo Unoomesera Vari Kutengesa Mari paMukoto


Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutemo uri kuda kudzikwa nehurumende kudzivirira kufambiswa kwemari zvechikiribidi kana kuti Money Laundering wakanangana nekuzadzikisa zvisungo zvemitemo yepasi rino inodzivirira mabasa evanopfurikidza mwero.

VaZiyambi vanoti vatotanga kunyora bhiri remutemo uyu sezvo mutemo uri kushandiswa parizvino wakadzikwa muna Mbudzi gore rapera uchishanda kwemwedzi mitanhatu chete nekuti ndewechimbi chimbi unoitwa nemutungamiri wenyika dare reparamende risati razeya.

Mutemo uyu unonzi Presidential Powers (Temporary Measures) (Amendment of the Money Laundering and Proceeds of Crime Act and Exchange Control Act) Regulations.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinotiwo hurumende inenge iri kudawo kushandisa mutemo uyu kusunga vari kuchinja mari pamukoto zvikuru dhora rekuAmerica nemaRTGS.

VaZiyambi vanoti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katuruke vakayambira vanotengesa mari pamukoto kuti vachakandwa mutirongo.

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG