Accessibility links

Breaking News

Ko Ndiyani Anobata Chigaro Kana VaMnangagwa neVatevedzeri Vavo Vasipo?


Retired General Constantino Chiwenga naVaKembo Mohadi
Retired General Constantino Chiwenga naVaKembo Mohadi

Pane mashoko ekuti vatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi naGeneral Constantino Chiwenga vose vari kunze kwenyika uko vari kurapwa.

Izvi zvapa vanhu vakawanda munyika kuti vanoda kuziva kuti ndiyani anokwanisa kubata chigaro chemutungamiri wenyika kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasipo sezvo vari kutarisirwa kuenda kumusangano weAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia.

Bumbiro remutemo rinoti VaMnangagwa vanokwanisa kudoma chero gurukota ravo kana vasina zvinokwanisa kuitwa nedare remakurukota.

Vakawanda vanoti Amai Oppah Muchinguru Kashiri ndivo vanofanobata chigaro sezvo vari kumirira VaMnangagwa muzviitiko zvakawanda kusanganisa pakuradzikwa kwegamba muchakabvu Oliver Mtukudzi uye kumusangano wakaitwa nevemakereke nevezvematongerwo enyika muHarare. Amai Muchinguri vane chigaro chepamusorowo mubato reZanu-PF sasachigaro webato.

Asi kana Amai Muchinguri vakafanobata matomu havakwanise kupa mauto basa rekuita, kunyorerana zvibvumirano, kana kumisa basa mutevedzeri wemutungamiri wenyika nemakurukota kana kuchinja mutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG