Mutungamiri wenyika yeEgypt VaAbdel-Fattah El-Sissi avo vakauya pachigaro vachiita zvekupidigura hurumende ndivo vakasarudzwa kuita sachigaro weAfrican Union vachitevedzerwa nemutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa avo vachatora chigaro chekutungamira gore rinouya.
Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International anoti VaEl Sissi vachadzosera kumashure zvakanyanya nyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu muAfrica.
AU iri kushorwa nemamwe masangano akawanda nenyaya yairi kupomerwa yekunzi iri kutadza kugadzirisa matambudziko ari muZimbabwe, DRC neSudan umo musina kugadzikana.
Egypt inonziwo iri pakati penyika dzinotyora kodzero dzevanhu zvakanyanya. Nyaya yeZimbabwe yakakurukurwawo hayo kumucheto wemusangano weAU uyu sezvo sachigaro weSADC vari mutungamiri weNamibia VaHage Geingob vakati vaida kunzwa mamiriro ezvinhu kubva kuvatungamiri veZimbabwe neDRC.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakurudzira AU kuti izvimirire kwete kurarama nemari dzekukumbira nyika dzakabudirira.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi, mukuru weMedia Centre vanoti havo vanasachigaro weAU havana zvakawanda zvavanoita vasina kutenderana nevamwe.
Facebook Forum