Vanoongorora nyaya dzezvemitemo nemashandiro eparamende veVeritas vanoti kutadza kwehurumende kuzadzikisa bumbiro remutemo nekuumba komiti yakazvimirira yoga inoongorora mapurisa, mauto kana vasori vanenge vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu ndizvo zviri kupa kuti vanhu vane hama dzinenge dzaurayiwa, kuitwa kafiramberi kana kubatwa chibharo i vatadze kumhan’ara nyaya dzavo.
Komiti iyi yaifanira kunge yakaumbwa makore matanhatu apfuura kuzadzikisa chikamu chemazana maviri negumi kana kuti Section 210 yebumbiro remutemo.
Veritas iri kushorawo dare reConstitutional Court nekutadza kuudza hurumende kuti itevedzere mutemo nekuumba komiti iyi kunyangwe muna 2015 VaDouglas Mahiya mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vakakwidza nyaya iyi kudare mushure mekushungurudzwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti hurumende iri kudya manonoko vachiti pane zvimwe zvakakosha zvayange ichiita zvakafanana nesarudzo .
Asi gweta vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti hurumende inofanira kuumba komiti iyi nechimbi chimbi.
VeHuman Rights Watch, Amnesty International neOxfam International vakatonyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu iri kupomerwa vanodzivirira nyika iyi. VaMnangagwa vakadzoka kumusangano weAfrican Union nezuro.
Facebook Forum