Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Makumi Maviri Votyirwa Kuti Vakafira Mumugoghi Kadoma


Vanhu makumi maviri nevatatu vari kutyirwa kuti vanogona kunge vakafa mumigodhi miviri kuBattlefields, Kadoma nemusi weChipiri mushure mekunge yapinda mafashamu emvura apo dhamu remunzvimbo iyi rakaputika nekuda kwemvura yainge yanaisa munharaunda iyi.

Varidzi vemigodhi iyi iRioZim pamugodhi weCricket mine uye mumwe unonzi ndewaVaBaxter. Vanoona nezvemabasa mudunhu reMashonaland Amai Cecilia Chityo vakatenda kuti vari kutyira kuti vanhu ava vainge vafira mumugodhi uyu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaWelcome Zimuto vari kuita zvidzidzo zvepamusoro kuPrague, Czech Republic avo vakamboita ongororo yemamiriro ezvinhu munharaunda iyi vanoti hurumende haina mitemo yakajeka pakuchengetedza vanokorokoza kana kuchera zvicherwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG