Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Forum Inori Vanhu Gumi neVanomwe Vakaurayiwa neMauto


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum raburitsa gwaro rinoratidza kuti vanhu chiuru nemazana masere nevatatu vakatyorerwa kodzero dzavo nevanofungidzirwa kuti mauto, mapurisa nevechidiki veZanu-PF kubva musi wa15 Ndira kusvika musi wa 5 Kukadzi.

Gwaro reZimbabwe Human Rights NGO Forum rakanzi, “On the Days of Darkness in Zimbabwe”.

Sangano iri rinoti huwandu hwevanhu vakaurayiwa wasvika pagumi nevanomwe. Pavanhu vakaurayiwa apa pane madzimai maviri uye vanhu gumi nemumwe ndevemuHarare, mumwe chete kuBulawayo, Marondera, vaviri kuChitungwiza uye mumwe chete kwaMutare nekuKadoma.

Sangano iri rinoti rakwanisa kutaura nevanhu gumi nevasere vakabatwa chibharo vachiti zvakaitwa nemauto.

Rinotiwo vanhu makumi masere nemumwe vakapfurwa nepfuti. Mumwe mukuru wemauto VaDouglas Nyikayaramba nezuro vakazivisa kuti mauto apedza basa ravo uye ave kugadzirira kudzokera kumakamba avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro rwavo.

Vakatiwo mauto akapanduka ndiwo akaba pfuti ndokuuraya vanhu. Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG