Nhasi muAmerica matambwa mutambo mukuru weSuper Bowl mumakwi eamerican Football pakati pe Los Angeles Rams nenew England Patriots. Mutambo uyu watambirwa kunhandare yemercedes-Benz kuatlant Georgia.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekuti vafuma nhasi mutengo wechingwa wawedzerwa zvakanyanya.
Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights kana kuti ZADHR rinoti huwandu hwevanhau vashaya pachipomerwa mauto nemapurisa mhosva yekuvapfura kana kuvaita kafiramberi hwasvika pagumi nevatanhatu.
Mumwe chiremba akabatsira VaSahumbe vari nhengo yeZADHR Doctor Milton Marowa vanoti vakayedza zvose zvavanogona kuvabatsira asi zvakakona nekuti vainge vanyanya kukuvara.
Komisheni inoona nezvekurwisa huori inonzi yakamanikidzwa kusiya basa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ichipomerwa mhosva yekutadza kuchuchisa nyaya dzehuori munyika zvikuru dzemamwe makurukota ainge ari muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Musangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council maita kusawirirana kunotyisa vamwe vachiti kuramwa mabasa ngakutange asi vamwe vachiti vanofanira kupa hurumende nguva uye zvinhu hazvina kugadzikana parizvino.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakadoma chikwata chevanhu makumi maviri nevatanhatu chichashanda savanachipangamazano kwavari kana kuti Presidential Advisory Council.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakurudzira madzimai ose ari kupomera mauto kana mapurisa mhosva yekuvabata chibharo kuti vamhang’are nyaya idzi kumapurisa kana kumasangano akazvimirira.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti vamiriri vemapato matatu aya vachange vachizoitawo musangano nevatori venhau vachipawo maonero avo pamusoro penyaya nenhaurirano iyi.
Gweta raVaChibaya, VaReginald Chidavanyika vanoti VaChibaya vakasungwa vachangobudiswa mujeri reHwahwa mushure mekubvisa mari yechibatiso pane imwe mhosva yavari kupomerwa yekuronga mhirizhonga yakaitika munyika masvondo maviri adarika.
Munyori mukuru wedare reparamende VaKennedy Chokuda vanoti vari kutarisira kuti bhiri reZimbabwe Investment Development Authority Bill rekukwezva vekunze sezviri kuitwa kuRwanda ringer ava mutemo mukati memavhiki matatu.
Paramende iri kuvhurwa neChipiri asi vanokokera nhengo dzebato reMDC mudare, VaProsper Mutseyami, vanoti havasi kuziva kuti nhengo dzavo dzichakwanisa kupinda mudare iri here kana kuti kwete sezvo vamwe vakasungwa uye vakawanda vachitsvagwa nemapurisa.
Munyori mukuru musangano reApex Concil, mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende VaDavid Dzatsunga vanoti mushure memusangano wemaawa mana vatadza kuwirirana nyaya yemari dzavanotambiriswa nehurumende.
Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu nemusi weChishanu akakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itange kuongorora nyaya dzemauto nemapurisa anonzi ari kuuraya vanhu, kuvaita kafiramberi, kubata madzimai chibharo.
Vanhu vakawanda munyika zvikuru vaimbi nevanoita zvemitambo vanoti vari kufara zvikuru kuti mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nevamwe muhurumende vakapa muimbi Oliver Mtukudzi ruremekedzo rekuva gamba renyika.
Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo munyika sezvo vemapato anopikisa nevemasangano akazvimirira vari kupomera mauto mhosva yekuvaita kafiramberi, kuvabata chibharo kuvasunga uye kupwanya dzimba dzavo.
VaChamisa vanoti kunyangwe hurumende yeZimbabwe ikasapa Mtukudzi chiremera chegamba renyika, vakawanda munyika vanomuona segamba nekuda kwemabasa aakabata mukuimba kwake pamwe nekuchengetedza tsika nemagariro.
Mumiriri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa vanoti vakumbira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaite muimbi Oliver Mtukudzi gamba renyika.
Muimbi ane mukurumbira munyika Oliver Tuku Mtukudzi ashaya muHarare nhasi kuchipatara cheAvenues Clinic.
Zvitoro zvakawanda munyika zvavhura nhasi mushure mekuvcharwa nemusi weMuvhuro apo pakatanga vanhu munyika kuratidzira vachiti havaifara nekuwedzerwa kwainge kwaitwa mafuta ekufambisa dzimotokari nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Rodhai zvimwe