Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights kana kuti ZADHR rinoti huwandu hwevanhau vashaya pachipomerwa mauto nemapurisa mhosva yekuvapfura kana kuvaita kafiramberi hwasvika pagumi nevatanhatu.
Izvi zvinotevera kushaya kwaVaTanaka Bushu vemumusha wevazhinji weMbare. Mufi anonzi akapfurwa akamborapwa ndokuburitswa muchipatara asi ainge arasikirwa neropa rakawanda.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kanamutauriri wemauto Colonel Overson Mugwisi sezvo vanzi vange vabuda muhofisi mavo. Asi hurumende inoti vanhu vana chete ndivo vakafa.
Nhengo yeZADHR Doctor Milton Marowa vanoti VaBushu avo vange vave nemakore gumi nemasere vakambenge vaita sekunge vave kunzwa zviri nani asi vakazongorwarisa ndokushaya.
Facebook Forum