Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Vanoti Vanyorera VaMnangagwa Tsamba Kuti Mtukudzi Aitwe Gamba reNyika


Oliver Mtukudzi
Oliver Mtukudzi

Mumiriri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa vanoti vakumbira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaite muimbi Oliver Mtukudzi gamba renyika.

Vanhu vakawanda munyika vataura neStudio 7 vatiwo nemabatirwo akaitwa basa naMtukudzi uye mukurumbira waakaunza kunyika pasi rose zvakakodzera kuti apihwe chiremera chepamusoro soro ichi.

VaMnangagwa vakangotumira mashoko enyaradzo kumhuri yaVaMtukudzi vachiti vakashanda zvikuru semumiriri wenyika kuburikidza nekuimba kwavo.

VaMliswa vanoti VaMtukudzi munhu aisada zvematongerwo enyika asi ainge angora nechido chekubatanidza vanhu kuburikidza nekuimba.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tuku akaburitsa madambarefu makumi matanhatu nematanhatu uye ange achironga kuparura rimwe gore rino. Ainge ari munyarikani wesangano reUNICEF kuchamhembe kweAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG