Accessibility links

Breaking News

Amai Mutsvangwa Vokurudzira Vakabatwa Chibharo Kuti Vamhang'are


Rape image

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakurudzira madzimai ose ari kupomera mauto kana mapurisa mhosva yekuvabata chibharo kuti vamhang’are nyaya idzi kumapurisa kana kumasangano akazvimirira.

Amai Mutsvangwa vati hurumende iri kushushikana zvikuru nemamashoko aya uye vari kuvimbisa kuti nyaya dzose dzinenge dzamhang'arwa dzichaferefetwa.

Izvi zvinotevera kushorwa zvakanyanya kwoitwa nyika mushure mekunge nyaya idzi dzatanga kubuda mamwe madzimai aya achitaura paStudio7 nedzimwe nhepfenyuro nemapepanhau kuti akabatwa chibharo, asi ari kutya kubuda pachena.

Zvinonzi madzimai anodarika makumi maviri akabatwa chibharo asi mapurisa achiti kusvika pari zvino mumwe chete ndiye amhang’ara nyaya yake.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG