Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Dzopesana Maonero paNyaya yeMhirizhonga


Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo munyika vemapato anopikisa nevemasangano akazvimirira vachipomera mauto nemapurisa mhosva yekuvaita kafiramberi, kuvabata chibharo, kuvasunga uye kupwanya dzimba dzavo.

Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo munyika sezvo vemapato anopikisa nevemasangano akazvimirira vari kupomera mauto mhosva yekuvaita kafiramberi, kuvabata chibharo kuvasunga uye kupwanya dzimba dzavo.

Izvi zviri kubudawo paine kunetsana kwakanyanya mubato reZanu-PF vamwe vachiti vanoda kuti paitwe nhaurirano neMDC asi vamwe vachitsigirwa nevemauto zvikuru vari musangano reJoint Operation Command vachiti hapana nhaurirano dzinofanira kuitwa.

Masangano akawanda ekunze nemunyika ari kushushikana nezviri kuitika muZimbabwe uye vakawanda vanoti masangano eSADC, African Union neUnited Nations anofanira kupindira munyika musati madeuka ropa rakawanda.

Nhengo yeNational Executive yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Maureen Kademaunga, vanoti nhengo dzebato ravo dziri kushungurudzwa zvakanyanya.

Nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, avo vakakwikwidza kuWarren Park vakakundikana, vanotiwo zvinhu zviri kuita zvichigadzikana.

Hurukuro naVaGilbert Muponda naMuzvare Maureen Kademaunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG