Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema nekuti vafuma nhasi mutengo wechingwa wawedzerwa zvakanyanya.
Chingwa chawedzerwa kubva padhora nemasendi makumi mashanu kusvika pamadhora maviri nemasendi makumi matatu nemashanu vamwe vachitenga nemadhora maviri nemasendi makumi mashanu.
Mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe, rimwe sangano revanobika chigwa VaWellington Peyama vanoti vawedzera mutengo sezvo zvinhu zvose zvawedzerwa mutengo kusanganisa mafuta ekufambisa dzimotokari.
Asi mutauriri weGrain Millers Asociation of Zimbabwe VaGarikai Chaunza vanoti sesangano rinotengesa gorosi havana kuwedzera mutengo kune vanobika chingwa kunyangwe gorosi riri shoma nekuda kwekuti havana kukwanisa kuwana mari yakakwana kubva kuReserve Bank of Zimbabwe.
Facebook Forum