Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vofadzwa neKupiwa Ruremekedzo rweGamba reNyika Kwakaitwa Mtukudzi neHurumende


Oliver Mtukudzi akashaya nemusi weChitatu muHarare.
Oliver Mtukudzi akashaya nemusi weChitatu muHarare.

Vanhu vakawanda munyika zvikuru vaimbi nevanoita zvemitambo vanoti vari kufara zvikuru kuti mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nevamwe muhurumende vakapa muimbi Oliver Mtukudzi ruremekedzo rekuva gamba renyika.

Mukambo Andinzwi, Oliver Mtukudzi aigara achibvunza mubvunzo wainge uri pamiromo yevakawanda munyika wekuti gamba renyika chairo ndiyani?

Vakawanda munyika vange vave nemakore vachiti bato reZanu-PF, kuburikidza nePolitiburo, rainge rave nemakore richingopa hugamba kunhengo dzebato iri.

Asi mubvunzo uyu wakapindurwa neVaMangagwa nemusi weChina apo vakazivisa mhuri yaMtukudzi kuti hurumende yakanga yamupa ruremekedzo rwegamba renyika.

Kubviswa pachigaro kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vamwe vanhu vasina kuenda kuhondo kana kuti nhengo dzeZanu-PF vave kupihwawo chiremera chegamba renyika.

Gore rapera vaimbova mukuru wechokoro cheNUST Muzvinafundo Phineas Makhurane vakaitwa gamba renyika kunyangwe vakazonoradzikwa havo kumusha kwavo kuGwanda.

Asi VaMnangagwa vasati vataura vamwe vakaita semutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vakange vari parufu apa vakange vati vaimbi ndivo magamba chaiwo enyika, sezvo vachibatanidza vanhu, kwete vezvematongerwo enyika, avo vavakati vanoparadzanisa vanhu.

Mashoko aya akatsinhirwawo nemuimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo.

Sahwira waMtkudzi vari muimbi uye nyanduri VaChirikure Chirikure vanoti vafara zvikuru nerukudzo rwapihwa Mtukudzi.

Vaimbi vechidiki vakawanda vanoti Mtukudzi akavapa chidokwa dokwa chekuita zvemagitare. Mumwe ataura mashoko aya muimbi weZimdance Hall Ninja Lipsy.

Mumwe muimbi wechidiki Fortunate Dube anotiwo naiyewo afara kuti VaMtukudzi vapihwa chiremera chakadai.

Kunyangwe hazvo Mtukudzi akaimba nevaimbi vane mukurumbira vakaita samushakabvu, Hugh Masekela wekuSouth Africa, nevamwe, akaimbawo nevaimbi vechidiki vakawanda munyika kusanganisira Winky D, Jah Prayzah, Fungisai Zvakavepano, naSulumani Chimbetu.

Chipo chake ichi akachishandisa kubatanidza nyika zvakapa kuti aitwe munyarikani wesangano reUnicef kuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica, uye kupihwa mibayiro yakawanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG