Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodzika Mutemo weKukwezva veMabhizimisi Vekunze


VaNigel Chanakira
VaNigel Chanakira

Munyori mukuru wedare reparamende, VaKennedy Chokuda, vanoti vari kutarisira kuti bhiri reZimbabwe Investment Development Authority, ZIDA, rekukwezva vekunze sezviri kuitwa kuRwanda, ringe rava mutemo mukati memavhiki matatu.

Gore rapera nekuda kuyedza kukwezva vemabhizimisi vekunze, Zimbabwe yakakoka dzimwe nyanzvi munyaya dzemabhizimisi kubva kuRwanda dzinosanganisira mukuru weRwanda Development Board, Muzvare Clare Akamanzi, uye vanoona nezvemabasa mubhodhi ravo, VaEmmanuel Hategeka.

Bhiri reZIDA iri rine chinangwa chekuita zviri kuitwa muRwanda kuti munhu anotora zuva rimwe chete kuti anyorese bhizimisi awane matsamba ose.

Muzvinabhizimisi, VaLuxon Zembe, avo vakamboshanya kuRwanda vanoti kuda kutanga bhizimisi muZimbabwe mutoro pari zvino.

Mashoko aya atsinhirwa nemumwe muzvinabhizimisi uye vaimbova sachigaro weZimbabwe Investment Authority, VaNigel Chanakira.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vane maonero mamwe chete naChanakira.

Asi VaZembe vanoyambirawo kuti mutemo woga haushande kana nyika isingachengetedzi kodzero dzevanhu.

Izvi zviri kubuda pakusagadzikana kwakaita zvinhu munyika parizvino apo mauto nemapurisa ari kupomerwa mhosva yekupfura vanhu uye kuita vamwe kafiramberi.

Asi hurumende inoti vamwe vacho vaida kuipidigura.

Vachiparura bhajeti regore rino mukupera kwegore rapera, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Muthuli Ncube, vakati Zimbabwe yainge yakwezva mari yekunze inosvika mazana mana nemakumi manomwe emamiriyoni chete zvichireva kuti iri kukundwa zvakanyanya nedzimwe nyika dzakaipoteredza.

Zambia yainge iine mari inosvika bhiriyoni imwe chete remadhora uku Mozambique ichidarika mabhiriyoni maviri emadhora.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG