Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanomanikidza Makomishina eZACC Kusiya Basa


Mumwe wevaive makomishina muZACC, VaGoodson Nguni.

Makomishina ekomisheni inoona nezvekurwisa huori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, anonzi akamanikidzwa kusiya basa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa achipomerwa mhosva yekutadza kuchuchisa nyaya dzehuori munyika, zvikuru dzemamwe makurukota ainge ari muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vakasiya basa ava vanosanganisira sachigaro wekomisheni iyi, VaJob Whabira, pamwe nemakomishina ose ari mapfumbamwe.

Asi munyori mukuru mudare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti nhengo dzeZACC dzainge dzasiya basa dzoga VaMnangagwa vakazongotenda kusiya basa uku.

Asi Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti pane zvakawanda zvaiitwa neZACC zvange zvisingachaenderane nemuono waVaMnangagwa.

Zimbabwe iri pakati penyika dzinonzi nesangano Transparency International dzine huori hunotyisa. Sangano reTransparency International rinoti Zimbabwe iri pachinhanho chezana nemakumi matanhatu kubva munyika zana nemakumi masere dzine huori.

Mutevedzeri wemukuru wesangano revasori reCIO VaAaron Nhepera ndivo vari kutarisirwa kuti vachasarudzwa kutungamira ZACC.

Asi Father Fredrick Chiromba, vanove nhengo yeZimbabwe Catholic Bishops Conference uye vachitungamira Anti-Corruption Trust of Southern Africa vanoti vanoona sekunge maitirwo ebasa neZACC akanga asisanzwisisika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG