Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapato Anopikisa Osangana Pamusoro Pekuti Munyika Muitwe Nhaurirano


Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, VaObert Gutu.

Mamwe mapato matatu anopikisa hurumende anoti MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe, CODE iri kutungamirirwa naVaTrust Chikohora, nePDP inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga, ari kusangana muHarare kuti ayedze kukurudzira nhaurirano munyika.

Mapato aya anoti atora danho iri mushure mekuratidzira kwapa kuti munyika musagadzikane semakaberekera ingwe, mauto nemapurisa achipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti vamiriri vemapato matatu aya vachange vachizoitawo musangano nevatori venhau vachipawo maonero avo pamusoro penyaya nenhaurirano iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG