Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira Kwokonzera Kutatarika Kwakanyanya Kune veMabhizimisi


Most businesses in Harare were closed Jan. 14, 2019, as protests in Zimbabwe began.
Most businesses in Harare were closed Jan. 14, 2019, as protests in Zimbabwe began.

Zvitoro zvakawanda munyika zvavhura neChipiri mushure mekuvharwa nemusi weMuvhuro svondo rapera apo pakatanga vanhu munyika kuratidzira vachiti havaifara nekuwedzerwa kwainge kwaitwa mafuta ekufambisa dzimotokari nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mhirizhonga yakazoitika pachiurayiwa vanhu nemauto nemapurisa uye kupwanya kwezvitoro zvasiya Zimbabwe yadzokera mumatope munyaya dzezvehupfumi.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti kubva zvakatanga kuvharwa masaisai eindaneti nemusi weChipiri svondo rapera kusvika Muvhuro svondo rino, vemabhizimisi vakarasikirwa nemari iri pakati pemamiriyoni makumi manomwe nezana pazuva roga roga.

VaJabangwe vanotiwo zvikamu zvinogadzirwa nevemabhizimisi kana kuti capacity utilization zvaderera zvakanyanya nemamiriro akaita hupfumi.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wesangano reRetailers Association of Zimbabwe, VaDenford Mutashu.

VaMutashu vatiwo bazi rezvekushanyirwa kwenyika rakarasikirwawo nemari yakawanda zvikuru nenyaya yekuratidzira uku.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti zvichanetsa kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Matambudziko emunyika aya akapawo kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanzure rwendo rwavo kuDavos, Switzerland panzira.

Asi vainge vamboenda kune dzimwe nyika dzakaita seRussia, Belarus, Azerbaijan neKazakhstan.

VaMangagwa vanoti vakanyorerana zvibvumirano munyaya dzemigodhi uye zvekurima.

Asi Doctor Kanyenze vanoti havaone nzendo dzakadai dzichibudirira kana munyika musina kugadzikana.

Kunze kwekuyedza kutsvaga rutsigiro kunyika dzekumabuda zuva kweEurope, Zimbabwe iri kudawo chikwereti chemari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri emadhora kubva kuSouth Africa.

Doctor Kanyenze vanotiwo nenhoroondo yeZimbabwe yekusabhadhara zvikwereti, zvinonetsa kuti ibatsirwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti munyika munoda kuve makagadzikana sezvo vanoda kuuchika mari yavo vasingadi kuisungirira pagumbo rengwe.

Sangano reInternational Monetary Fund rakatoyambirawo kuti nekusagadzikana kwezvinhu, hupfumi hweZimbabwe huchaderera zvakanyanya.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG