Accessibility links

Breaking News

New England Patriots Yosimudza Mukombe weSuper Bowl muAmerica


Nhasi muAmerica matambwa mutambo mukuru weSuper Bowl mumakwikwi eAmerican Football League pakati peLos Angeles Rams neNew England Patriots.

New England yakunda LA Rams 13 kwa 3 zvichireva kuti yahwina mukombe uyu kechitanhatu zvisati zvamboitika munhoroondo yemutambo uyu.

Mutambo uyu watambirwa kunhandare yeMercedes-Benz kuAtlanta Georgia.

Nhandare yeNFL kuAtlanta
Nhandare yeNFL kuAtlanta

Mutambo weSuper Bowl mutambo unenge wakatarisirwa zvikuru muAmerica gore roga roga sezvo NFL iine mukurumbira wakanyanyisa.

Chizvarwa cheZimbabwe vari mugari wemuAtlanta Muzvinafundo Davison Saungweme vanoti mutambo uyu waunza mari yakawanda munhararunda mavo sezvo vanhu vabva kumativi mana ose enyika.

Hurukurona naMuzvinafundo Davison Sangweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG