Accessibility links

Breaking News

MDC Yoshora VaMnangagwa neNyaya Yekutadza Kurwisa Huori


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Mutauriri webato rinopikisa reMDC VaJacob Mafume vari kushora zvikuru hurumende nekwavanoti kutadza kunyatsorwisa huori kunyangwe hazvo muhofisi yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa makaiswa imwe komiti inofanira kunge ichirwisa huori kana kuti Special Anti-Corruption Unit.

Izvi zvinotevera mashoko ari kubuda kuti vamwe vakutu vaive mubazi rezvemigodhi kusanganisa vaive munyori mukuru mubazi iri VaMunesu Munodawafa vakatenga motokari itsva nemari inodarika zviuru makumi mana nemashanu US$45, 632 ndokuzvitengesera motokari idzi nemari yemaRTGS inosvika churu nemazana mashanu chete kana kuti 15000 RTGS dollars.

Mumashoko kuvatori venhau, VaMafume vanoti zvinorwadza kuti vanhu gumi chete vanopomerwa mhosva yekubira nyika mari inodarika zviuru mazana mashanu.

VaMafume vati masangano anorwiswa huori munyika anofanira kunge akazvimirira uye hurumende inofanira kuburitsa pachena hupfumi hune vashandi vayo vepamusoro. Vatiwo vanoita zvehuori vanofanira kuendeswa kujeri.

Gurukota rezvemigodhi VaWinston Chitando kana mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG