Accessibility links

Breaking News

Brigadier General Emilio Munemo Voitwa Gamba reNyika


Mauto eZimbabwe National Army
Mauto eZimbabwe National Army

Brigadier General Emilio Munemo avo vakashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara kwenguva yakareba vaitwa gamba renyika.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vakaenda kumba kwaVaMunemo kuHatfield kunoudza hama dzavo nezvedanho rePoltiburo rekuvaita gamba renyika.

Brigadier Munemo vange vave nemakore makumi matanhatu nemana ekuberekwa uye vange vari kudivi remauto rinoona nezvekudyidzana nevanhu, Director General Civil Military Relations.

Kunyangwe VaMunemo vaitwa gamba renyika, vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari kuvashorawo nenyaya yekuva mumwe wevatungamiri veFifth Brigade iyo inopomerwa mhosva yekuponda zviuru makumi maviri zvevanhu kuMatabeleland neMidlands.

VaMunemo vange vaine vana vapfumbamwe uye vazukuru vanomwe. Vanhu vakaungana panhamba pa48 Alexandra Drive, Hatfield, Harare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG