Accessibility links

Breaking News

VaJonasi Vosungwa Mushure Mekuda "Kunosunga" VaMnangagwa, VaChiwenga naVaMohadi


VaTinashe Jonasi

Mutungamiri webato rinopikisa reIdeal Party Zimbabwe VaTinashe Jonasi vakasungwa nemusi weMuvhuro nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaJonasi vanonziwo vange vachironga kusunga VaMnangagwa, nevatevedzeri vavo General Constantino Chiwenga naVaKembo Mohadi.

Gweta raVaJonasi VaDenford Halimana vesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti vaJonasi vakasungwa vari paJameson Hotel vakananga kuMunhumutapa Building kunosunga VaMnangagwa nevamwe vatungamiri venyika vachiti izvi chete ndizvo zvingaunze hutongo hwejekerere.

VaJonasi vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare muHarare nemusi weChitatu.

Mashoko naVaDenford Halimanai
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG