Accessibility links

Breaking News

Muimbi Malax naRoki Vonetsa neKambo Kanonzi Wakanda


Malax
Malax

Mandla "Malax" Katuli uyo akaimba kambo kanonzi Wakanda naRoki anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kambo aka nevanhu.

Kambo aka kanotora zita kubva pafirimu rakaita mukurumbira zvikuru pasi rose gore rapera rinonzi Black Panther rinotaura nezvenyika yemuAfrica yegudziramukanwa hayo inonzi “Wakanda.”

Malax na Roki
Malax na Roki

Malax anoimba nechikwata cheAfroblacks uye akatoburitsa mamwe madambarefu matatu. Gore rino anoti anoda kuburitsa dambarefu nevaimbi vakawanda vanosanganisa Seh Calaz, Sani Makhalima, Ngoni Kambarami, Willis Wataffi, Garry Tight nevamwe.

Malax akaburitsawo vhidhiyo inonzi Song yeKudonha apo akaimba neShona kambo kaKing Monada kakanetsawo gore rapera kanonzi Malwedhe Idibala.

Hurukuro neMuimbi Malax
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG