Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobvumidza Chikwata cheUN Kuzoferefeta Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu


Mukuru wekodzero dzevanhu muUnited Nations, Amai Michelle Bachelet.
Mukuru wekodzero dzevanhu muUnited Nations, Amai Michelle Bachelet.

Boka rinoona nezvekodzero dzevanhu musangano reUnited Nations, reUnited Nations Human Rights Council, riri kutarisirwa kutumira nhume dzakakosha kuZimbabwe kuzoongoorora nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu kunonzi kuri kuitwa nehurumende.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaGideon Gapare vanoti chikwata ichi chiri kutarisirwa munyika mushure mekubvumidzwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti chiite basa racho.

Hurukuro naVaGideon G. Gapare
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti sangano reUN rakatonyorera kubazi ravo richikumbira kuti nhengo dzaro dzibvumidzwe munyika.

VaGapare vanotiwo Zimbabwe inhengo yesangano reUnited Nations, zvichireva kuti inofanirwa kutevedzera zvisungo zvesangano iri, vchiti nyika haina chekutya pane zvose zviri kuda kuferefetwa izvi.

“President VaMnangagwa vakataura kuti Zimbabwe is open for business. Hapana chatinovanza. Hapana chinoitika muZimbabwe chatinonyara nacho. Saka kana kuchiuya mukuru anobva kuHuman Rights Council, kana kuti rapporteur on human rights, anenge achiuya zvichisanganisa nekunzwisisa ikoko kwekuti President vakati vanenge vachida kuuya muno muZimbabwe vanobvumidzwa kuuya, asi havagone kungouya vasina kunyorera kuMinistry of Foreign Affairs,” vanodaro VaGapare.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanotiwo danho reUnited Nations iri rakakosha zvikuru nemhaka yekuti Zimbabwe ine chisungo chayakazvipira yega kuchengetedza kodzero sezvinoitawo dzimwe nyika pasi rose.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG