Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Hapana Chakaipa Kubhadhara Zviuru zveMadhora Kuti Zvirango Zvibviswe


Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti Zimbabwe ichaita zvose zvainogona kuti zvirango zvibviswe .

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende yeZimbabwe iri kubhadhara mari inosvika zviuru mazana mashanu pagore kukambani yekuAmerica yeBallard Partners kuti iibatsire kuti ibvisirwe zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende nemakambani ayo.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakawedzera zvirango izvi kwerimwe gore nemusi weMuvhuro vachiti Zimbabwe iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu.

Kambani yeBallard inotungamirwa naVaBrian Ballard avo vakabatsira VaTrump kutsvaga mari yekuti vakwanise kutsvaga rutsigiro musarudzo muna 2016.

Vachange vachishanda kubatsira Zimbabwe mukambani iyi ndiVaJames Rubin avo vakamboshanda mubazi reState Department munguva yaitungamirwa nyika navaBill Clinton.

Aka hakasi kekutanga Zimbabwe ichibhadhara makambani mari kuti aibatsire. Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakabhadhara imwe kambani yekuChicago mari inodarika mamiriyoni matatu asi vanhu vacho vakaguma vasungwa sezvo vaiita zvisiri pamutemo.

VaMangwana vanoti Zimbabwezvirango zvinofanira kubviswa nekuti hazvisi pamutemo.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Yadzoka Mayibuye IZimbabwe vanoti zviri kuitwa neZimbabwe kungotambisa mari sezvo ichiziva zviri kudiwa neAmerica kuti zvirango zvibiswe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG