Muimbi vari mufundisi, Baba Charles Charamba, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro ari kuita zvinhu kukereke idzva yavakaparura mukupera kwegore rapera.
Asi vanoti vari kuramba vachinamata kuti Mwari varambe vachivakomborera. Kereke itsva iyi iri kusangana paDavid Livingstone School kuna 9th Steet muHarare inonzi Rooted in Christ Ministries kana kuti RCM. Vanoti chido chavo kuti vakwanise kuvaka kereke chaiyo vachibva pavari ikozvino.
Baba Charamba vanoti vakadaidzwawo naKristu kuti vabatiranewo nevamwe vanoda kushumira.
Vanotiwo vari kukomborerwa nekuti vanhu vakawanda munyika nemhiri kwemakungwa vari kuratidza kuvatambira asi vati havadi kushandisa mukurumbira wekuimba wokurumidza kumedza kutsenga vachada pakuti kereke yavo ipararire kune dzimwe nzvimbo. Vanoti munguva yaMwari zvichagoneka.
Facebook Forum