Accessibility links

Breaking News

Baba Charles Charamba Votaura nezveKereke Yavakavamba


Baba Charles Charamba naAmai Olivia Charamba
Baba Charles Charamba naAmai Olivia Charamba

Muimbi vari mufundisi, Baba Charles Charamba, vanoti vari kufara zvikuru nemafambiro ari kuita zvinhu kukereke idzva yavakaparura mukupera kwegore rapera.

Asi vanoti vari kuramba vachinamata kuti Mwari varambe vachivakomborera. Kereke itsva iyi iri kusangana paDavid Livingstone School kuna 9th Steet muHarare inonzi Rooted in Christ Ministries kana kuti RCM. Vanoti chido chavo kuti vakwanise kuvaka kereke chaiyo vachibva pavari ikozvino.

Baba Charamba vanoti vakadaidzwawo naKristu kuti vabatiranewo nevamwe vanoda kushumira.

Vanotiwo vari kukomborerwa nekuti vanhu vakawanda munyika nemhiri kwemakungwa vari kuratidza kuvatambira asi vati havadi kushandisa mukurumbira wekuimba wokurumidza kumedza kutsenga vachada pakuti kereke yavo ipararire kune dzimwe nzvimbo. Vanoti munguva yaMwari zvichagoneka.

Hurukuro naBaba Charles Charamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG