Vanhu vave kuchema chema nedambudziko rekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari mumaguta akawanda munyika zvikuru muHarare.
Hurumende yaimbenge yavimbisa kuti ikawadzera mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari zvichabatsira kuti iwanikwe asi izvi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.
Nyaya yekuwedzera mafuta ekufambisa dzimotokari nezvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana zvakapa kuti munyika muite kuratidzira zvakazopa kuti mauto apindire vanhu vanosvika gumi nevanomwe vachibva varasikirwa nehupenyu mushure mekupfurwa nevanofungidzirwa kuti mauto nemapurisa.
Hurumende ichiri kutatarika kuti iwane mari yekunze yekutenga mafuta aya sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.
Gurukota rezvemhando dzemoto Doctor Joram Gumbo vanoti ivo vari kuita basa ravo rekuti mafuta ekufambisa dzimotokari ave mumatura ari pedyo asi panodiwa dhora rekuAmerica iro riri kunetsa kuwana.
Facebook Forum