Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Rovhiringa Hupenyu hweVanhu kuChamhembe kweAmerica

A map at the National Hurricane Center in Miami indicates Hurricane Sandy's position moving through the Bahamas off the east coast of Florida, October 26, 2012. Hurricane Sandy left at least 38 people dead as it moved through the Caribbean, following a pa

Vanhu vanodarika makumi maviri nevatatu vakafa munjodzi yedutumupengo remhepo nemvura kumatunhu eAlabama, Florida, South Carolina ne Georgia nemusi weSvondo.

Vamwe vanhu vakakuvara zvakaipisisa apo dutumupengo iri rakaputsa dzimba uye kutakura motokari.

Vanhu vanobatsira munjodzi pamwe nembwa vari kuenderera mberi vachitsvaga vanhu vasiri kuzivikanwa kuti varipi.

Pari kutyirwa kuti huwandu hwevanhu vakafa munjodzi iyi huchawedzera.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vati bazi ravo rinopa rubatsiro reFederal Emergency Management Agency kana kuti FEMA rinofanira kuti ribatsire vanhu vose vakawirwa nedambudziko iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakanyorawo gwaro rePHD panyaya yematambudziko ekushanduka kwmamiriro ekunze kana kuti global warming, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinhu zvakakosha kuti nyika dzigare dzakagadzirira kurwisana nematambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG