Vanhu vanodarika makumi maviri nevatatu vakafa munjodzi yedutumupengo remhepo nemvura kumatunhu eAlabama, Florida, South Carolina ne Georgia nemusi weSvondo.
Vamwe vanhu vakakuvara zvakaipisisa apo dutumupengo iri rakaputsa dzimba uye kutakura motokari.
Vanhu vanobatsira munjodzi pamwe nembwa vari kuenderera mberi vachitsvaga vanhu vasiri kuzivikanwa kuti varipi.
Pari kutyirwa kuti huwandu hwevanhu vakafa munjodzi iyi huchawedzera.
Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vati bazi ravo rinopa rubatsiro reFederal Emergency Management Agency kana kuti FEMA rinofanira kuti ribatsire vanhu vose vakawirwa nedambudziko iri.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakanyorawo gwaro rePHD panyaya yematambudziko ekushanduka kwmamiriro ekunze kana kuti global warming, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinhu zvakakosha kuti nyika dzigare dzakagadzirira kurwisana nematambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.
Facebook Forum