Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Akapakatira Zvombo Otsvaga Muzvare Mamombe Uko VaMahiya Vachisungwa


Mapurisa eZRP
Mapurisa eZRP

Mapurisa gumi nemanomwe ainge akapakatira zvombo akayedza kupinda zvine chisimba nezuro manheru kuGlennorah muHarare kumba kwamai venhengo yedare reparamende yeMDC inomirira Harare West, Muzvare Joanna Mamombe vachiti vari kuvatsvaga.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Zvichakadaro, mukuru wesangano rakazvimirira reHeal Zimbabwe Trust VaRashid Mahiya nezuro vakasungwawo nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Izvi zvakatavera kuratidzira kwakaita vanhu muna Kukadzi vachitsutsumwa nekudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari. VaMahiya avo vange vachitsvagwa vakazvipira kumapurisa vachibva vapomerwa mhosva iyi pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform Act).

VaMahiya vakaenda kukamba yemapurisa yeHarare Central nezuro vaine gweta ravo VaTonderai Bhatasara veZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR. Mapurisa anoti VaMahiya vakaronga kuratidzira musi wa 3 na 6 Zvita gore rapera. Asi ivo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare nhasi.

Sangano reZLHR rinoti kunze kwaVaMahiya vakuru veZCTU nesangano reAlmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe vakambosungwawo vachipomerwa nyaya imwe chetewo yekuda kupidiguyra hurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG