Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voshushikana neMamiriro Akaita Zvinhu muNyika


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiriri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa vanoti vari kushushikana zvikuru nekutambura kuri kuita vanhu munyika uyewo vakati vari kugadzirira musangano wavo weCongiresi zvakanaka.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, VaChamisa vati mararamiro ari kuita vana veZimbabwe sezvo vakawanda vari kudya nhoko dzezvironda.

Vatiwo vanoshushikana zvikuru nekusungwa-sungwa kuri kuitwa vanhu vari kupomerwa mhosva yekuratidzira muna Ndira.

VaChamisa vati vari mubishi rekugadzirirawo gungano ravo reCongress uye vatsiura vechidiki mubato ravo avo vaifambisa mashoko ekuti wese achavakwikwidza pachigaro chemutungamiriri webato muvengi.

Vati vari kutarisira kuti munhu wese akwikwidze zvakasununguka vakati chinangwa chemusangano wavo uyu uri kutarisirwa muna Chivabvu ndechekubuda vakabatana seMDC kwete kuti pave neruvengo.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira munyori mukuru webato iri VaDouglas Mwonzora avo vange vachishoropodzwa nedzimwe nhengo sezvo vari kutarisirwa kuti ndovangangonokwikwidzana navaChamisa kucongress.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG