Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Judith Makwanya Anoshaya


Judith Makwanya
Judith Makwanya

Mutori wenhau weZBC Judith Makwanya akashaya nezuro manheru kuchipatara cheWest End Clinic muHarare.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yaMuzvare Makwanya vachiti munhu aishanda nesimba uye aida nyika yake.

Muzvare Makwanya avo vange vave nemakore makumi mashanu nematanhatu vakaendeswa kuchipatara ichi nemusi weChishanu manheru. Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rakazivisawo paTwitter kuti mutori wenhau uyu ainge ashaya.

Muzvare Makwaya vaifamba zvikuru nevatungamiri venyika pavaienda kunze kwenyika. Vakaberekwa musi wa 22 Gumiguru 1963 kwaRusape, Manicaland uye vakatanga kushanda kuZBC muna 1990.

Vakadzidza past Davids Girls High kwaMutare vakazonoitawo zvidzidzo zvepamusoro zveMasters of Arts Journalismkana kuMinsk University kuRussia. Vanhu vakaungana pa 98 Zambezi Flats muHarare

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG