Accessibility links

Breaking News

Paramande Yoshanyira Masvingo Kuti Iongorore Zvakaparadzwa neCyclone Idai


Cyclone Idai

Komiti yeparamende yeStanding Rules and Orders iri kuMasvingo uko iri kuita ongororo yekufa kwevanhu uye kuparadzwa kwemisha yavo nezvipfuyo nedutumupengo reCyclone Idai.

VaTongai Muzenda veZanu-PF ndivo vari kutungamira komiti iyi ine vamwe veMDC vanosanganisira VaMorgan Komichi, Muzvare Thabitha Khumalo uye VaRoy Bhila.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rinoti pavanhu zana nemakumi manomwe nemaviri vakashaya, vavigwa makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe uye vamwe mazana matatu nemakumi maviri nevanomwe havasi kuzivikanwa kwavari.

Asi bazi reUnited Nations re International Organization for Migration rinoti kwakafa vanhu mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG