Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorangarira Vakafa Mutsaona yeDutumupengo reCyclone Idai


Family members dig for their son, who got buried in the mud when Cyclone Idai struck in Chimanimani about 600 kilometers southeast of Harare, Zimbabwe, March, 19, 2019.

Zimbabwe yatanga neMugovera hurongwa hwemazuva maviri hwekuchema vanhu vakarasikirwa nehupenyu nekuda kwedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kuManicaland neMasvingo.

Hurongwa uhu hwakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vanhu vari kunzi vashaya vaburitswa zviri pamutemo vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe. Vanhu vakawanda vanonzi vakayeredzwa nemvura vamwe vakafushirwa pasi pematombo uye vamwe mudzimba dzavo.

Hurumende yakaudza madzishe nevanhu vari munzvimbo dzakaparadzwa nemafashamu emvura aya vatange kunyora mazita evanhu vasiri kuzivikanwa kuti varipi.

Kunze kwavanhu vakashaya, masangano eUnited Nations neRed Cross, ayo ari kutungamira hurongwa hwekubatsira vanhu, anoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu muZimbabwe, Mozambique neMalawi, vanoda rubatsiro rwechimbi chimbi sezvo vakasiiwa vasina kana pekugara kana chekudya.

Red Cross inoti yave kutumira vanhu vakawanda kunobatsira nyika nhatu idzi.

Ukuwo United Nations iri kuyambira kuti zvirwere zvemayoka, korera kana typhoid zvinogona kutanga kupararira munyika nhatu idzi sezvo vanhu vasina mvura yakachena.

Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vanoti hurumende yavo yapa nyika nhatu idzi mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora.

Ukowo Mambokadzi Elizabeth vekuBritain nemhuri yavo yose vatiwo vari kuchema nevanhu vakarasikirwa nehama mudutumupengo iri.

Canada yazivisawo kuti iri kuzotumirawo rubatsiro kuZimbabwe.

Vana vemuZimbabwe vari kunze kwenyika pamwe nevari munyika vari kubatanawo mukubatsira vamwe vavo vakawirwa nedambudziko redutumupengo iri.

Mumwe wevanhu akashaikirwa nemudzimai wake, VaPeter Siyekaya, avo vanogara kuNgangu kuChimanimani, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekurasikirwa nemudzimai wavo.

VaSiyekaya vanoti dutumupengo rakatanga munzvimbo yavo munguva dzehusiku, uye vanhu vakanonoka kuwana rubatsiro, izvo vakaita kuti vanhu vakawanda varasikirwe nehupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG