Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Ichatatarika Kugadzira Zvivakwa Zvakaparadzwa neDutumupengo


Rwizi Umvumvu kuChimanimani
Rwizi Umvumvu kuChimanimani

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nemamiriro akaita zvinhu munyika, Zimbabwe ikasabatsirwa nenyika dzekunze uye masangano anopa rubatsiro, inogona kutatarika kugadzirisa zvivakwa zvakaparadzwa.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti pari zvino hurumende iri mubishi kumboyedza kubatsira vanhu kwete kutarisa zvakanyanya nyaya dzezvivakwa.

Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vari kutungamira mabasa rekubatsira vakawirwa nedambuidziko reCyclone Idai kuManicaland, vanoti zvichada mari yakawanda kugadzira zvakaparadzwa.

Mashoko aya atsinhirwawo nasachigaro webhodhi reZIMRA, VaCallisto Jokonya, avo vatiwo Zimbabwe inoda rubatsiro rwakanyanya kubva kana kune vekunze nekuti yoga mutoro wacho unorema.

VaJokonya vanoti hurumende ichaisa chikumbiro chekuti iwane mari inodarika mabhiriyoni matatu kuti igadzire zvivakwa zvakaparadzwa nemvura izvi.

Vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vatiwo mari iri kuendeswa kunzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri ishoma zvikuru uye zvinoburitsa pachena kuti hurumende haina kugadzirira zvachose kubatsira vanhu vanenge vawirwa nematambudziko.

Vamwe vanenge vave kutyira kuti mafuta ekufambisa dzimotokari achaita mashoma nekuda kwekuparadzwa kwemigwagwa inoenda kuBeira, kuMozambique, iyo inosvikira ngarava dzinotakura mafuta aya.

Asi gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vanoti vanhu havafanire kutya havo sezvo pombi inotakura mafuta aya isina kukuvadzwa zvakanyanya.

Asi vanopinza gorosi munyika, veGrain Millers Association, vanoti chingwa chinogona kunetsa sezvo migwagwa mizhinji yavanoshandisa kubva kuMozambique yakaparadzwa nemvuramupengo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG