Pope Francis vatumirawo mashoko enyaradzo kunyika nhatu dzakawirwa nedambudziko redutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai iro rauraya vanhu vanogona kudarika chiuru chimwe chete muZimbabwe, Mozambiuque neMalawi.
Pope Francis vakataura mashoko aya kuvatendi vekereke yavo yeRoman Catholic kumuzinda wavo weSt Peters Square kuVatican vachiti vari kunzwa kurwadziwa kwakanyanya kune vanhu vakawirwa nedambudziko iri.
Kunyangwe hazvo hurumende ichi kuti vanhu vafa kusvika parizvino makumi mapfumbamwe nevasere, sangano reRed Cross rinoti huwandu uhu hwasvika pazana nevana.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti hurumende inofanira kutanga yawana magwaro ose anodiwa pakuti izopa huwandu hwevanenge vashaya. Asi vati vanhu vakawanda vakayeredzwa nenzizi.
Rakurudzirawo vanhu kuti vabatsire Zimbabwe nemvura, magumbeze uye mambure anodzivirira humhutu.
Vatungamiri venyika dzeNigeria VaMuhammadu Buhari uye we Armenia VaArmen Sarkissian vatumira tsamba dzenyaradzo. SADC yatumira mari inosvika zviuru mazana matatu nemakumi mashanu kuZimbabwe. Mozambique neMalawi. African Union yapawo rubatsiro kunyika nhatu idzi.
Facebook Forum