WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaita hurukuro neZBC uye bepanhau reHerald ichaburitswa musi wa 18 Kubvumbi pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere.
VaMnangagwa vakati muhurukuro iyi vari kuwirirana zvikuru nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vanoti vari kurapwa kuSingapore parizvino.
Vanoti munhu wavanoremekedza zvikuru. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti VaMugabe naVaMnangagwa vashanda vose kwenguva yakareba nekudaro hazvishamise kuti vanoramba vachidyidzana.
Vakatiwo vanhu vanofanira kusungunuka kutaura nyaya yeGukurahundi asi vasingakumbire ruregerero pane zvavanonzi vakaita munguva iyi apo vainge vari gurukota rezvevasori.
Facebook Forum