Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vave neHukama Hwakasimba naVaMugabe Avo Vari Kurwara Vari kuSingapore


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaita hurukuro neZBC uye bepanhau reHerald ichaburitswa musi wa 18 Kubvumbi pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere.

VaMnangagwa vakati muhurukuro iyi vari kuwirirana zvikuru nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vanoti vari kurapwa kuSingapore parizvino.

Vanoti munhu wavanoremekedza zvikuru. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti VaMugabe naVaMnangagwa vashanda vose kwenguva yakareba nekudaro hazvishamise kuti vanoramba vachidyidzana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakatiwo vanhu vanofanira kusungunuka kutaura nyaya yeGukurahundi asi vasingakumbire ruregerero pane zvavanonzi vakaita munguva iyi apo vainge vari gurukota rezvevasori.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG