Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa, Muzvare Khupe, VaMadhuku neVamwe Vobatana Kuenda kuManicaland


Dr. Thokozani Khupe
Dr. Thokozani Khupe

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rino vari kutarisirwa kutungamira chikwata chemapato madiki anopikisa kuChimanimani neChipinge, Manicaland kunooona kuparadzwa kwakaitwa nzvimbo iyi detumupengo kana kuti tropical cyclone Idai.

VaMnangagwa vari kuenda nevatungamiri vakaita savanna Muzvare Thokozani Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, VaBrian Mteki nevamwe vari muchikwata chavari kuita nacho nhaurirano.

Vamwe vatungamiri vakaisa semutungamiri webato guru rinopikisa VaNelson Chamisa veMDC, Amai Joyce Mujuru, VaNoah Manyika, VaDaniel Shumba havasi muhurongwa hwavaMnangagagwa uhu.

Hurumende inoti vanhu mazana maviri nemakumi masere vakafa uye vamwe mazana matatu havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Pavanhu ava makumi masere nevaviri vanonzi vakavigwa kuMozambique mushure mekuyeredzwa nemvura.

Aka ndekechipiri vamnangagwa vachishanyira nzvimbo iyi. Kunyangwe hazvo rubatsiro rwuri kuuya kubva kumativi mana ose enyika nekunze, vamwe vagari vemunharaunda iyi vanoti havana matende, chikafu kana mvura yekunwa yakachena.

VaMadhuku vaudza Studio 7 kuti vari kuenda kechipiri asi vanotarisira kuti rwendo rwuno vachaenda kumberi pane kwavakambosvika sezvo migwagwa yaisafambika zvakanaka. VaMadhuku vati zuva rekusimuka harisati razivuswa asi ivhiki rino.

Hurukuro naMuzvinafundoLovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG