Accessibility links

Breaking News

Sudan Yotora Rwendo rweZimbabwe Pakupidigura Hurumende


VaOmar al-Bashir
VaOmar al-Bashir

Mutungamiri weSudan, Va Omar al-Bashir, vabviswa neChina zvine chisimba nemauto avo pachigaro chemutungamiri wenyika.

Gurukota rezvekudzivirirwa kweSudan, uye vari mutevedzeri vemutungamiri wenyika, VaAwad Mohamed Ahmed Ibn Auf, ndivo vazivisa veruzhinji panhepfenyuro yehurumende, vakatiwo mauto achange achitonga nyika iyi kwemakore maviri.

Vazivisawo kumiswa kwekushandiswa kwebumbiro remitemo yenyika, uye kuumbwa kwekanzuro yemauto ichange ichifambisa zvinhu kwemakore maviri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzine maonero akasiyana panyaya yekuti kupidigurwa kwehurumende yeSudan mushure mekunge vanhu varatidzira kwemwedzi mina.

Maonero akasiyana ari kuuya panyaya yekuti zvaitika muSudan zvakafanana here kana kuti kwete nezvakaitika muZimbabwe muna 2017 apo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakamanikidzwawo kusiya chigaro nemauto.

VaMugabe naVa Al Bashir vange vatungamira nyika dzavo kwemakore akawanda vachishorwa kuti vaisaita sarudzo dzakajeka.

Mumwe mutungamiri wenyika yemuAfrica ainge atongawo kwenguva yakareba, VaAbdelaziz Bouteflika vekuAlgeria, vakamanikidzwawo kusiya basa mavhiki apfuura mushure mekupinda panyanga muna 1999.

VaAl Bashir vakatanga kutungamira muna 1989.

Vakawanda vari kubvunzawo kuti African Union ine meno here ekugadzirisa matambudziko enyika dziri mugungano iri.

African Union inoti iri kuisa maziso ayo pane zviri kuitika muSudan zvichitevera kupindira kwaita mauto munyaya dzematongerwo enyika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neTrust Africa muZimbabwe, VaBriggs Bomba, vanoti hapana chakanyanya kusiyana pakupidigurwa kwehurumende yaVaMugabe neyaVaAl Bashir.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weCenter for Natural Resources Govervance, VaFarai Maguwu, vanoti pane musiyano uripo pakuti muSudan vanhu ndivo vakatungamira kuratidzira asi muZimbabwe mauto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG