Accessibility links

Breaking News

Imbwa Dzobatsira Kutsvaga Mitumbi yeVanhu kuChimanimani neChipinge


Men retrieve the body of a teenager killed by mudslides triggered by Cyclone Idai, in Chimanimani, Zimbabwe, March 22, 2019.
Men retrieve the body of a teenager killed by mudslides triggered by Cyclone Idai, in Chimanimani, Zimbabwe, March 22, 2019.

Imbwa dzakabva kuSouth Africa dzinonzi dzakwanisa kufunhidza panofungidzirwa kuti pane mitumbi yevanhu vanodarika gumi nevatanhatu kuNgangu kuChimanimani.

Izvi zvinenge zvachenura moyo yevamwe vange vachichema chema kuti havasi kukwanisa kuwana mitumbi yehama dzavo kubva zvakaparadzwa nzvimbo yavo nedutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai.

Chikoro cheNational University of Science and Technology chinonzi chichabatsira mukuti mitumbi iyi izivikanwe kuti ndeyaanani.

Gurukota rinoona nezvematunhu, VaJuly Moyo, vanoti dzimwe imbwa dzange dzichitarisirwa kupinda munyika neChishanu kuti dzinobatsira.

Asi mumiriri wenzvimbo iyi, VaJoshua Sacco, vanoti panodawo motokari dzekubvisa matambo kuti mitumbi iyi iwanikwe.

Asi zvinhu zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo kuChipinge neChimanimani sezvo vanhu vari kuchemawo nerekuti rubatsiro rwuri kunonoka kusvika.

Pange poitawo mutauro kuti chikafu chainge choshandiswa munyaya dzezvematongerwo enyika nyaya yanzi nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch inofanira kuongororwa.

Asi vaMoyo vanoti ichi handichokwadi.

Mumwe mugari wekuChipinge East paKopera, Amai Hilda Sanganiso, vanoti vave kurarama nekunhonga chikafu chakasarira mushure medutumupengo nekuti havana chekubata.

Mumiriri weChipinge East, VaMathias Mathew Mlambo veMDC vanoti havasi kufara nekunonoka kuwana rubatsiro zvekuti vamwe vange voronga kutoratidzira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG