Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatsigiri veMDC Vanoti Vanotambira Danho raVaMwonzora reKusakwikwidza VaChamisa


VaNelson Chamisa-Gutu

Vamwe vatsigiri veMDC inotungamirirrwa naVaNelson Chamisa vanoti vanofara zvikuru nedanho rakatorwa nezuro nemunyori mukuru webato iri vaDouglas Mwonzora rekusakwikwidza pachigaro chehutungamiriri webato iri pakongiresi ichaitwa mwedzi unouya.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMwonzora vanogona kungodomwa kuti vakwikwidze sezvo matunhu ari iwo anosarudza vanhu vachakiwkwidza kuCongress muna Chivabvu.

Dzimwe nhengo dzeMDC dzaive pamusangano wekongiresi uyu dzinoti danho iri rinosungirwa kunyatsosimbisisa bato iri.

VaDennis Makowe vekuNyanyadzi avo vange vari pamusangano wesarudzo idzi vanoti mukuru wehondo haasungirwi kubviswa pachigaro kana hondo isati yapera, “Hatichinji commander tiri pastruggle, tinofanirwa kupedza struggle tindori nacommander."

Vanoenderera mberi vachiti,"Saka tinoreva kuti tindopedza zvese izvi tiina VaChamisa, uye ndivo vane mhomho iri pano iyi; tichizonobvisa VaMnangagwa musarudzo tindori navo.”

VaPatrick Mugejo vanoti kubuda musarudzo kwakaita VaMwonzora kwakapa kuti MDC isave netupoka tupoka, “Zvaitwa nevakuru vedu kuti rerutsira nekuti zvange zvichaitika kuti mubato munge mavenema-divisions.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Saka izvi zvatoitwa izvi zvakanaka, VasChamisa vane vanhu, vanhu vose vanoda vaChamisa uye kuisa mumwe mutsva panguva yatiri iyi zvinonetsa kuti vanhu vatange kumujaira nepo hatichina nguva patave izvo saka izvi ndizvo zvataida tose.”

Imwe nhengo yeMDC VaTendai Gava vanoti vaChamisa ngavatambe vakachenjera nezvange zvichida kuitwa navaMwonzora, “VaMwonzora vaita zvakanaka asi ndinoti kunavaChamisa ngavasanyanya kuisa munhu wakadai mudhuze mavo ngekuti mweya wavainawo wekumboda kuchalenja mukuru hondo iri pakati, uuuh munhu uyu haasi wekutsa.”

Ambuya Elizabeth Rutsate vekuChimanimani vanoti kana VaMwonzora vachirevesa nemashoko avo ekuti vave kuramba vakamira nekuda kusarudzwa kuitwa munyori mukuru hapana chakaipa, “Ini ndakazvimirira hangu zvaataura izvo zvekuti ndinoda kuti Chamisa arambe ari President kana achirevesa iye oramba ari paanga ari asi kana akazochinja pava pamberi apo handiwirirane naye nekuti isu tiri vanhu vakuru hatidi kuramba tichingobvorongwa, handiwirirane nazvo kana naye.”

Ambuya Rebecca Tizora vanoti VaMwonzora vanenge vakadya manonoko panyaya iyi, “Ndinoti President vane mwoyo murefu isu vamwe hatina mwoyo murefu nekuti ari kutishaishira, zvekuti zviro izvi dai takazvipedza kare uri kutipedzera nguwa saka ngaaraswe kutsvage vamwe hatichida basa naye, ndiwo muonerowo wangu."

VaMwonzora vakaudza vatsigiri vebato ravo kuBeit Hall kuSakubva nemusi weSvondo kuti vainge vobuda mumakwikwi ekutungamira bato, “Ini ndichazama kuwana chigaro chaSecretary General webato rino, VaChamisa vapedzise zvavakatanga mubato ini ndichazama kupedzisa zvandakatanga ndiri secretary webato rinowo.”

Asi zvisineyi, VaMwonzora havana kudomwa kuti vange vachiwana chigaro ichi kuManicaland pasarudzo dzapera nhasi mangwanani maMutare.

Vakadomwa kuva mutauriri webato iri kuManicaland VaDavid Panganai vaudza Studio 7 kuti VaMwonzora havana kudomwa sekutarisira kwavaiita., “Havana kunominetwa, uye hatina chikonzero chizere chekuti seyi vasina kunominetwa nekuti vaMwonzora munhu mukuru wemubato redu havamiriri Manicaland chete, vanomirira Zimbabwe yose.

Pamwe kuti inyaya yekuti havana kuwana mukana wekuzivisa vamwe vose vedunhu kuti vanodawo ipapo pachigaro zvichizoreva kuti takasvika panguva yemanominations pasina aziva kuti pane shungu dzavaMwonzora pachigaro ndepapi.

Pakapera sarudzo, Manicaland yakadoma VaChamisa semutungamiriri, vatevedzeri vavo Muzvinafundo Welshman Ncube, VaMorgan Komichi, sachigaro Amai Thabitha Khumalo, mubati wehomwe VaTendai Biti, munyori mukuru webato VaCharlton Hwende, murongi wemabasa VaAmos Chibaya, mutauriri webato VaJacob Mafume vachiteverwa naVaLuke Tamborinyoka.

Zvichakadaro, VaProsper Mutseyami mumuriri weChikanga-Dangamvura mudare reparamende ndivo vakasarudzwa kuve sachigaro weMDC kuManicaland, mutevedzeri wavo ndiAmai Jane Chitsamba Kuodza, munyori ari VaGodfrey Mubatsa, mubati wehomwe ndiVaPatrick Sagandira, mutevedzeri wavo ari Amai Birght Kidd, murongi wemabasa ari VaFreddy Dziwandi mutevedzeri wavo VaItayi Masaka.

Kumusangano wemadzimai sachigaro ndiSeneta Keresencia Chabuka, mutevedzeri wavo ari Amai Martha Munhutu, munyori ndi Amai Rhoda Simango, mutevedzeri wemunyori ari Amai Tsverukai Duwa, mubati wehomwe Amai Stella Muzhingi, mutevedzeri ari Amai Ndaneta Manduwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ndiAmai Betty Mapuka achitevedzerwa naAmai Sarudzai Sithole, muzvare Upenyu Tseisi achiona nezvekubuditswa kwemashoko nemutevedzeri wake Amai Stella Gambiza.

Kune vezvechidiki mutungamiri wavo mudunhu iri ndiKelvin Kambiro, mutevedzeri Talent Hare, Munyaradzi Rimbi, Givemore Simango, Kerine Murwira, Tafadzwa Mufudza, Cloud Nengomasha, Howard Tuso, Emmanuel Mupinda, Rudo Mugarandega natapiwa Manyarara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG