Chikwata chesangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, chiri kushanya munyika murwendo rwacho rwepiri pasi pehurongwa hwe Staff Monitored Programme, uhwo hunotarisirwa kubatsira Zimbabwe kuti ikwanise kuwana zvakare mukana wekukwereteswa mari.
Asi nyanzvi mune zvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti havaoni Zimbabwe ichiwaniswa mumwe mukana wekukwereteswa mari nekuda kwezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende, sezvo America iine zvkamu zvakati kuti zvemasheya musangano reIMF.
Muzvinafundo Mugano vanotiwo hurumende yeZimbabwe haifanirwe kugadzirisa zvakaita kuti itemerwe zvirango senzira yekuti ikwanise kukwereteswa mari, asi kuti inofanirwa kuzvigadzirisa sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika, iro rinopa chizvarwa chese kodzero yekusununguka.
Zvichabuda murwendo rwechikwata ichi zvinotarisirwa kuziviswa mukupera kwesvondo.
Facebook Forum